Isaiah 51

Ruponeso Rwokusingaperi rweZioni

1Nditeererei, imi munotevera kururama
uye munotsvaka Jehovha:
Tarirai kudombo ramakabviswa pariri
naparuware pamakacherwa;
2tarirai kuna Abhurahama, baba venyu,
nokuna Sara, akakuberekai.
Pandakamudana akanga achingova mumwe chete,
ndikamuropafadza ndikamuita vazhinji.
3Zvirokwazvo Jehovha achanyaradza Zioni,
uye achatarira netsitsi pamusoro pamatongo aro ose;
achaita magwenga aro kuti afanane neEdheni,
marenje aro achafanana nebindu raJehovha.
Kupembera nomufaro zvichawanikwa mariri,
kuvonga nenzwi rokuimba.

4“Nditeererei, imi vanhu vangu;
ndinzwei imi rudzi rwangu:
Ndichakupai murayiro;
kururamisira kwangu kuchava chiedza kundudzi.
5Kururama kwangu kwoswedera pedyo nokukurumidza,
ruponeso rwangu rwuri munzira,
uye ruoko rwangu ruchauyisa kururamisira kundudzi.
Zviwi zvichatarira kwandiri
uye zvichamirira ruoko rwangu netariro.
6Simudzirai meso enyu kumatenga,
tarirai pasi panyika;
matenga achanyangarika soutsi,
nyika ichasakara senguo,
uye vanogaramo vachafa senhunzi.
Asi ruponeso rwangu ruchagara nokusingaperi,
kururama kwangu hakuzombogumi.

7“Ndinzwei, imi munoziva zvakarurama,
imi vanhu vane murayiro wangu mumwoyo yenyu:
Musatya kuzvidza kwavanhu,
uye musavhundutswa nokutuka kwavo.
8Nokuti chipfuno chichavadya senguo;
honye ichavadya sewuru.
Asi kururama kwangu kuchagara nokusingaperi,
ruponeso rwangu kuzvizvarwa zvose.”

9Muka, muka! Zvishongedze nesimba,
iwe ruoko rwaJehovha;
muka, sepamazuva akare,
sepazvizvarwa zvakare.
Ko, hausiwe wakagura-gura Rahabhi,
ukabaya chikara chiya here?
10Hausiwe wakaomesa gungwa here,
iyo mvura yokwakadzika zvikuru,
ukaita mugwagwa makadzika megungwa
kuitira kuti vakadzikinurwa vayambuke?
11Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka.
Vachapinda muZioni vachiimba;
mufaro usingaperi uchava korona pamisoro yavo.
Mufaro nokupembera zvichafashukira,
uye kusuwa nokukahadzika zvichatiza.

12“Ini, iyeni, ndini iye anokunyaradzai.
Ndiwe aniko unotya vanhu vanofa,
vanakomana vavanhu, ivo uswa zvahwo,
13kuti ukanganwe Jehovha Muiti wako,
akatatamura matenga,
akateya nheyo dzenyika,
kuti ugare uchitya mazuva ose
nokuda kwehasha dzomumanikidzi,
uyo akarerekera kukuparadza?
Ko, hasha dzomumanikidzi dziripi?
14Vasungwa vakatapwa vachakurumidza kusunungurwa;
havazofiri mumakomba avo,
kana kuzoshayiwa chingwa.
15Nokuti ndini Jehovha Mwari wako,
anomutsa gungwa kuti mafungu aro atinhire,
Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake.
16Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako,
ndikakufukidza nomumvuri woruoko rwangu,
iyeni ndakagadzika matenga panzvimbo yawo,
iyeni ndakateya nheyo dzenyika,
uye ndinoti kuZioni, ‘Muri vanhu vangu.’ ”

Mukombe weHasha dzaJehovha

17Muka, muka! Simuka,
iwe Jerusarema,
iwe wakanwa kubva muruoko rwaJehovha,
mukombe wehasha dzake,
iwe wakasveta kusvikira wapera kuti tsvai,
iwo mukombe unoita kuti vanhu vadzedzereke.
18Pavanakomana vose
vaakabereka pakanga pasina anomutungamirira;
pavanakomana vose vaakarera
pakanga pasina aimusesedza noruoko rwake.
19Njodzi mbiri idzi dzauya pamusoro pako,
ndianiko angakunyaradza? Dzinoti:
kuva dongo nokuparadzwa, nzara nomunondo;
ndianiko anogona kukunyaradza?
20Vanakomana vako vaziya;
vanovata panotangira migwagwa,
kufanana nemhara yabatwa mumumbure.
Vakazadzwa nehasha dzaJehovha
nokutuka kwaMwari wako.

21Naizvozvo inzwa izvi,
iwe munhu wokutambudzika, wakadhakiswa asi kwete newaini.
22Zvanzi naIshe Jehovha Mwari wako,
anodzivirira vanhu vake,
“Tarira, ndabvisa muruoko rwako mukombe wakakuita kuti udzedzereke;
kubva pamukombe uyo,
iwo mukombe wehasha dzangu,
hauchazounwizve.
23Ndichauisa mumaoko avatambudzi vako,
ivo vanoti kwauri,
‘Zvambarara pasi kuti tifambe napamusoro pako.’
Iwe wakaita kuti musana wako uve sapasi,
kufanana nomugwagwa unofambwa nawo.”
Copyright information for SnaBDSC